0% found this document useful (1 vote)
581 views2 pages

Grade 6 Shona Paper 2

Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as DOCX, PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (1 vote)
581 views2 pages

Grade 6 Shona Paper 2

Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as DOCX, PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 2

LUNDI PARK PRIMARY SCHOOL

GRADE 6 SHONA PAPER 2

TERM 2 2019

Chikamu Chokutanga

Sarudza musoro umwe chete pane inotevera ugonyora pamusoro pawo. Zvaunonyora
zvisadarika mazwi (120)

1. Nyora tsamba kune hama yako uchikumbira mari yekuendesa kutiripi kuNyanga.

2. Nyora rondedzero uchitsanangura zvaunowanzoita musi weSvondo.

3. Nyora hurukuro pamusoro pemubereki nemwana, muberek achirayira mwana kuti


uzozvibate uye kudzidza nesimba kuchikoro uchiri kure kwave kunodzidza mwana.

4. Nyora rondedzero pamusoro pemhuka yaunofarira.

5. Nyora tsamba kumumiriri wehurumende wedunhu renyu uchimuudza nezvinoda


kugadziriswa mudunhu menyu.

Chikamu chechipiri

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo inotevera nezvirevo zvizere

Tsitsi apedza mazuva akati kuti pamusha paVaSundayi akaratidza kuti aive mukadzi akabva
kuvanhu. Aive asingabviri pakubata netsika idzo dzaiva pagona radza badza rekusakura
ndipo paiva pamusha paro. Murume wake Bhonasi aisamboda naye. Zvekuti vaparadzane
zvaive zvakafanana nekuti mabvazuva abatane nekumavirira. Vaviri ava vaiva ishwa chaidzo,
bhurugwa nebhande. Rudo rwavo rwaiyemurwa nemana rose rekwaZindi nokuti vaiti
kumunda vose, kutsime kana kuhuni vose.

Zviya zvemeso meso akanga aregedza Bhonasi aona kuti zingizi gonyera pamwe maruva
enyika haaperi, zvakare hunhu hwake hwaizomupinza muna taisireva. Aitenda Mwari nekuti
chirwere cheshuramatongo chakange chamupotsa. Mufaro mwena kumutevedza unoguma
uye hakuna michero usina masvisvinwa. Tsitsi aisafarira vamwene vake nokuti vaipindura-
pindura nyaya dzemumba make uye vaigarotaura kuti mubvandiripo waTsitsi. Teterai
aifanirwa kundongengetwa kumusha kwavo. Tsitsi aingoti nechemumwoyo rimwe zuva gava
raizodambura musungo, twekwake tukamugara, akabvanzura-bvanzura vamwene vake asika
semwenga mutsva aifanira kumbozvibata.

Nyangwe Tsitsi nevamwene vake vaisaonana asi naVaSundayi, vatezvara vake, Museyamwa,
vaiwirirana. Ivo Museyamwa vaingoti dai muroora wavo avaberekera muzukuru sezvo Tsitsi
aive ave nemwedzi mitanhatu atsika.

Pindura mibvunzo zvizere

1. Ndiani aive murume waTsitsi? [1]

2. Kuti aive asingabviri pakubata zvinorevei? [1]

3. Vanhu vangani vaitaurwa mundima umu? [1]

4. Zviyi zvainzi zvaive zvakafanana nekuti mabvazuva abatane nemavirira? [1]

5. Dimikira rokuti vaive bhurugwa nebhande rinoratidza kuti chii? [1]

6. Sei tsumo inoti, “hakuna muchero usina masvisvinwa” yashandiswa kutsanangura


nezvaTsitsi? [1]

7. Chii chaitenda Bhonasi kuna Mwari wake? [1]

8. Teterai aive mwana waani sekutsanangurwa kwazvo mundima? [1]

9. Nderipi izwi rinoratidza kuti Tsitsi navamwene wake vaisawiririna kubva mundima
yawaverenga? [1]

10. VaSundayi vaiera mutupo upi? [1]

You might also like